Jeremiah 12

Kugununʼuna kwaJeremia

1Imi munogara makarurama, iyemi Jehovha,
pandinouya pamberi penyu nemhaka.
Kunyange zvakadaro ndichataura nemi pamusoro pokururamisira kwenyu, ndichiti:
Nemhaka yeiko nzira yavakaipa ichibudirira?
Nemhaka yei vasingatendi vachirarama zvakanaka?
2Makavasima, uye vava nemidzi;
vanokura uye vanobereka muchero.
Imi munogara muri pamiromo yavo
asi muri kure nemwoyo yavo.
3Asi munondiziva, imi Jehovha;
munondiona uye munoedza ndangariro dzangu pamusoro penyu.
Vakwekweredzei samakwai anondobayiwa!
Muvagadzirire zuva rokubayiwa.
4Nyika ichasvika riniko yakangooma,
nebundo resango rakangosvava?
Nokuti vose vanogaramo vakaipa,
mhuka neshiri zvaparara.
Pamusoro paizvozvo, vanhu vanoti,
“Haasi kuzoona zvinoitika kwatiri.”

Mhinduro yaMwari

5“Kana wakaita nhangemutange navanhu netsoka,
uye vakakunetesa
ungagokwikwidzana sei namabhiza?
Kana uchigumburwa panyika yakanaka,
ungagara seiko mumatenhere eJorodhani?
6Hama dzako, mhuri yako chaiyo,
kunyange naivowo vakakumukira;
vakadanidzira zvikuru kwazvo pamusoro pako.
Usavimba navo,
kunyange vachitaura zvakanaka pamusoro pako.

7“Ndichasiya imba yangu,
ndigorasa nhaka yangu;
ndichapa mudikani wangu
mumaoko avavengi vake.
8Nhaka yangu yava kwandiri
seshumba iri musango.
Anoomba pamberi pangu;
naizvozvo ndinomuvenga.
9Ko, nhaka yangu haizova kwandiri segondo rina mavara here,
iro rinokombwa
uye rinorwiswa namamwe makondo?
Endai munounganidza zvikara zvose;
muuye nazvo zvidye.
10Vafudzi vazhinji vachaparadza munda
wangu womuzambiringa,
uye vachatsindira munda wangu;
vachashandura munda wangu unofadza kuti uve dongo risina chinhu.
11Uchaitwa dongo rakaoma
uye rakaparadzwa pamberi pangu;
nyika yose ichava dongo
nokuti hakuna ane hanya.
12Pamusoro pezvikomo zvisina miti zviri mugwenga,
vaparadzi vachamomotera,
nokuti munondo waJehovha uchaparadza,
kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe,
hakuna achava norugare.
13Vachadyara gorosi asi vachakohwa minzwa;
vachazvinetesa asi hakuna chavachawana.
Saka zvitakurirei kunyadziswa kwegohwo renyu,
nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.”
14Zvanzi naJehovha: “Kana vari vakaipa vakavakidzana nemi vanopamba nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsraeri ndichavadzura munyika dzavo uye ndichadzura imba yaJudha kubva pakati pavo. 15Asi mushure mokuvadzura, ndichavanzwirazve tsitsi uye ndichadzosa mumwe nomumwe wavo kunhaka yake nokunyika yake. 16Zvino kana vadzidza zvakanaka nzira dzavanhu vangu uye vakapika nezita rangu, vachiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ kunyange havo vakambodzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachasimbiswa pakati pavanhu vangu. 17Asi kana pano rudzi rusingateereri, ndicharudzura zvachose ndigoruparadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Copyright information for SnaBDSC